By Blessing Ngoni Tauro

Mumutambo wedhokonyo kundau yemugowa rinobva pa Checheche-Chiredzi pane league yepadera irikutambwa inonzi South Eastern Pool Association iyo inezvikwata zvakati wandei zvinokumanidza Greenfuel (Chisumbanje) , Valley (Checheche), Renco mine (Renco), mateam eku Chiredzi anoti Mbiza Mafana, Naught Boys and girls, Titans, LOPA, Lacoste, Sharks, Mkwasine, Dumpy Nrz, Ghetto Oasis, Triangle, Chigarapasi.
Mutambo urikutambwa ne varume pamwe chete ne madzimai vachihamba nedingindira rekuti murudo murudo. Zveshe zvinoitwa murudo murudo, pakaiswa mutemo mutsva wekuti hapadiwe kuonekwa zvemukati, kana zvikaonekwa unenge waruza game racho iroro. Zvemukati zvingave short, kabhurugwa kadoko kana kadoodori kacho. Mukutamba mutambo uyu, mutemo wakaiswa kuderedza mapfekero aya evanhu vanohamba vakashama, mabhurugwa ari mumabvi.
Parizvino league yambove pa break apo pave kumbopihwa vanhu nguwa yekukosora, mukukosora, kutenga vamwe vatambi, kutengesa pamwe chete nekudzinga, imomo mukukosora ndimo mave kubudiswa zvichemo zvekuti zvimweni zvemukati zvave zvekutsvakiridza pozoitawo zvekuzviitisa. Chimwe chisungo chakabekwa ndechekuti apatenderwi kutamba wakapfeka matsapato kana mahwasho , panodiwa magwada akakonyeka asingasiyi tsoka yemunhu. Chirongwa ichi chichabvisa chirombe, chipovho nechiborangoma mune vazhinji sezvo uri mutambo we vanhu vanenge vakagadzikana.
Mukutaura na sachigaro we SEPA baba Malaicho vazoti mutemo uyu uchagarirwa pasi woonekwa kuti zvofambiswa sei nekuti vamwe varikuti mutemo uyu hauiti, vamwe voti ndezve kutsvagiridza, vamwe votiwo mutemo we kuCBL.
Mumwe wevatambi we Chikwata cheValley Pool Club Baba MM Muyambo ndovange vachiti kwazvave kwakuda kuzopfeka magemenzi nekuti nezuro vanhu vazhinji pavaitamba ne Renco mine vanga vatosungira majuzi muchiuno. Ukuwo Super arikuti aewa ngatingodzidzei kupfeka zvine hunhu sevanhu nekuti hunhu munhu uye munhu hunhu saka akazofamba humwe hwehunhu huri pabanze unenge atorashika
Pane vanhu vanenge vachida kunzwisisa kana kukwanawo mu league iyi munogona kubata mumwe wevatengesi nemufambisi we mashoko mumutambo dze SEPA BABA BENEH pa 0778833101.
